Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 18, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro manheru kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwava pazviuru zvinomwe nemazana matanhatu ane makumi matatu nevatatu, kana kuti 7,633.

Mutungamiri weZinasu, VaTakudzwa Ngadziore, vanopambwa, kurohwa nevanhu vasiri kuzivikanwa kuti ndivanani apo vanga vachitaura nevatori venhau vari chinhambwe chidiki kubva pamahofisi eImpala Car Rental, kambani ine motokari yakashandiswa mukupambwa kwakaitwa Tawanda Muchehiwa muna Chikunguru.

Mutori wenhau weStudio7, Godwin Mangudya, anopwanyirwa mishina yake pamwe nekurwiswa nevanhu vapamba nekurova VaNgadziore pavanga vachitaura nevatori venhau kunze kwekambani yeImpala Car Rental

Apo kwasara mazuva mashoma kuti zvikoro zvivhurwe kuitira kuti vadzidzi vanyore bvunzo, varairidzi vakawanda vanoti mihoro yavo ishoma zvikuru pachitariswa kudhura kuri kuita zvinhu munyika.

Kanzuru yeHarare yoisa hupenyu hwevanhu vakawanda munjodzi zvichitevera kuvharwa kwemakiriniki ayo makumi mashanu nepamusana pekushaya vashandi vezvehutano zvichitevera kuramwa mabasa kuri kuitwa nevakoti vekanzuru iyi.

Chikwata chemutambo wekiriketi chema Chevrons chapinda mukamba kuitira kuti chigadzirire rwendo rwacho kuPakistan kunyange hazvo chisati chawana mvumo kubva kuhurumende.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvipingaidzo zviri kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe muhupenyu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG