Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 23, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Hurumende yakazivisa nezuro manheru kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakanga hwasvika pazviuru zvinomwe nemazana manomwe negumi nemumwe chete, kana kuti 7, 711 zvichitevera kubatwa kwevanhu vashanu nechirwere ichi nezuro wakare.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vabatana nevatungamiri vedzimwe nyika pakuvhura zviri pamutemo kwemusangano weUnited Nations General Assembly. VaMnangagwa vari kutariusirwa mangwana manheru kutaura pamusangano uyu vari kuZimbabwe sezvo vatungamiri vakawanda vari kunyika dzavo nekuda kwechirwere cheCovid-19

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vanoudza musangano weUnited Nations General Assembly kuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe, zvibviswe.

MDC Alliance yakwanisa nhasi kubvisa mari yechibatiso inoita zviuru makumi mashanu emadhora, kuitira kuti mutevedzeri wasachigaro webato iri, VaJob Sikhala, vatongwe vachibva kumba kwavo. VaSikhala vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nezuro.

Paramende, Transparency International Zimbabwe pamwe neZimbabwe Anti Corruption Commission zvonyererana chibvumirano chekurwisa huori.

Nyanzvi munyaya dzehutano pamwe nevemachechi vozeya danho rehurumende rekuwedzera huwandu hwevanhu vanobvumidzwa kuungana pamwe chete vachinamata munguva ino yeCovid-19.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaLeonie Kuchakanya, avo vari kurima muriwo zvinonwisa mvura vari muPretoria, South Africa, uyo wanotengesera vanhu vanobva pedyo nekure nePretoria.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika gore rino kumusangano weUnited Nations General Assembly.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG