Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 01, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vafa munyika nechirwere cheCovid-19 hwakasvika pamazana maviri nevaviri, kana kuti 202 mushure mekushaya kwevamwe vatanhatu. Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vakasvika nezuro wakare pazviuru zvitanhatu nemazana mana nemakumi mapfumbamwe nevanomwe, kana kuti 6497

Zvikamu makumi matatu kubva muzana zvevana vari kuberekwa pachipatara cheChinhoyi Provincial Hospital vanonzi vari kuberekwa nguva yavo isati yakwana.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzozeya zvinoreva chisungo chebato reAfrican National Congress reku South Africa iro rakabuda nechisungo chekutuma nhumwa dzaro kuZimbabwe kunotsvaga nzira dzekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika iyi.

Nyanzvi munyaya dzerunyararo dzinoti zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanirwa kugara pasi zvotaurirana zvoga kuitira kuti kupesana pamwe nematambudziko ari munyika zvigadziriswe.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzotarisa nyaya dzehupfumi hungabva mukushandiswa kweminda senzira yekugadzirisa dambudziko renyaya dzehupfumi uhwo hwaparara munyika.

Vechidiki vorangarira mabasa aiitwa nemurwiri wekodzero dzevanhu, VaPatson Dzamara, avo vakaradzikwa kumusha kwavo kwaMutoko svondo rapera mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisazviri kuitika munyaya dzevechidiki munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG