Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 16, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika huchiri pamazana maviri nemakumi maviri nevana, kana kuti 224, ukuwo vanhu vabatwa nechirwere ichi vava zviuru zvinomwe nemazana mashanu ane makumi manomwe nevatanhatu.

Vagari vakawanda vekumaruwa ekwaMurehwa nedzimwe nzvimbo havasi kukoshesha kuzvidzivirira kubva kuchirwere che Covid-19, sezvo vazhinji vavo vasingapfeki mamasiki, uye vachiungana zvisina mwero.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzopesana pakudzoswa pabasa kwaVaSidney Gata pachine mhosva mbiri dzavari kupomerwa dzisati dzapera kuferefetwa neZimbabwe Anti Corruption Commission.

Kukandirana makobvu nematete kwave kuenderera mberi pakati peZanu-PF neANC apo bato riri kutonga munyika roramba kuti nhumwa dzeANC dzidzoke kuZimbabwe kuzoitawo hurukuro nevanopikisa sezvainge zvatenderanwa.

Vakaremara vakawanda vanoti havasi kuwana rubatsiro kubva kuhurumende munguva ino yekuvharwa kwenyika nepamusana pechirwere cheCovid-19.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG