Vagari vakawanda vekumaruwa ekwaMurehwa nedzimwe nzvimbo havasi kukoshesha kuzvidzivirira kubva kuchirwere che Covid-19, sezvo vazhinji vavo vasingapfeki mamasiki, uye vachiungana zvisina mwero.
Nyanzvi munyaya dzemitemo dzopesana pakudzoswa pabasa kwaVaSidney Gata pachine mhosva mbiri dzavari kupomerwa dzisati dzapera kuferefetwa neZimbabwe Anti Corruption Commission.
Kukandirana makobvu nematete kwave kuenderera mberi pakati peZanu-PF neANC apo bato riri kutonga munyika roramba kuti nhumwa dzeANC dzidzoke kuZimbabwe kuzoitawo hurukuro nevanopikisa sezvainge zvatenderanwa.
Vakaremara vakawanda vanoti havasi kuwana rubatsiro kubva kuhurumende munguva ino yekuvharwa kwenyika nepamusana pechirwere cheCovid-19.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum