Accessibility links

Breaking News

Kusagadzirisa Zvipatara Ndiko Kunonzi Kwakapa Kuti VaMugabe neVamwe Vatungamiri veAfrica Vafire Kunze


VaRobert Gabriel Mugabe vachiradzikwa kwaZvimba gore rapera
VaRobert Gabriel Mugabe vachiradzikwa kwaZvimba gore rapera

Vaimbova mutungamiri wenyika muchakabvu Robert Mugabe vakashaya kuSingapore vachirapwa chirwere chegomarara muna 2018 vari kurangarirwa zvakasiyana nevana veZimbabwe nevekunze.

VaMugabe vakaita sevamwe vatungamiri vemuAfrica vanoenda kunorapwa nekufira kunze kwenyika dzavo vanosanganisira vaive mutungamiri wenyika yeZambia, VaMichael Sata vakafira kuLondon, vaive mutungamiri wenyika iyi zvekare VaLevy Mwanawasa vakashaikira kuFrance, mutungamiri wehurumende yeEthiopia VaMeles Zenawi vakashaikira kuBelgium, VaOmar Bongo vekuGabon vakashaikira kuSpain nevamwe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paFriends University kuKansas Dr Moses Rumano vaudza Studio 7 kuti

Dr Moses Rumano
Dr Moses Rumano

veruzhinji vanorangarira VaMugabe zvakasiyana siyana sezvo kune rimwe divi vane mabasa avakabata akasimudzira nyika senyaya yedzidzo nenyaya yekupa ivhu kuvatema kunyengwe hazvo chirongwa ichi chisina kunyatso itwa zvakanaka.

Kune rimwe divi vanorangarirwa semutongi aitonga nedemo uye asina kugadzirisa zvinhu zvakadayi sezvipatara nehupfumi hwenyika zvakazokonzera kuti vasarapwe munyika nevana vavakapa dzidziso yepamusoro,

"Zvinosiririsa kuti VaMugabe vakazoshaikira kuSingapore, dai vakange vakagadzirisa zvipatara panguva yehutongi hwavo vakarapirwa munyika vachipepwa nevana vevhu avo vakapa dzidzo yakanaka asi ikazoparadzwa nehuwori nehutongi husiri wejeketrere," Dr Rumano vaudza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe vemhuri yavo vaudza Studio 7 kuti Amai Grace Mugabe nevana vavo vari kuSingapore kwakashaikira VaMugabe parizvino vachivarangarira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG