Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 17, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro Manheru kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika huchiri pamazana maviri nemakumi maviri nevana, kana kuti 224, ukuwo vanhu vabatwa nechirwere ichi vava zviuru zvinomwe nemazana mashanu ane makumi mapfumbamwe nevasere, kana kuti 7,598.

Sangano reHuman Rights Watch rinoburitsa gwaro rinoshoropodza mhirizhonga yemarudzi inoitika muSouth Africa uko vabvakure vanogara vachityorerwa kodzero dzavo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzozeya kutsika madziro kuri kuitwa nebato reZanu-PF richiramba kuti vekunze vayananise senzira yekupedza matambudziko ari munyika uye kurambawo kupinda kweMDC Alliance munhaurirano dziri kuitwa pasi rePolitical Actors Dialogue, kana kuti POLAD, kwasiya vakawanda munyika vachichema chema kuti remangwana ravo harisisina kujeka.

Vanhu vakawanda vari kufarira danho rakatorwa nehurumende rekubvumidzwa kufamba kwemadutavanhu pakati pemaguta

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisazvipingaidzo zviri kusangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG