Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 28, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakanga hwasvika pazana nemakumi masere nevapfumbamwe, kana kuti 189, mushure mekushaya kwevamwe vanhu gumi.

Sangano reCommunity Working Group on Health ropa dzidziso pamusoro peCovid-19 kune vanoita zvehutano mumadhorobha nemumaruwa.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoshoropodza vanhu vanoita zvemhirizhonga mubato ravo apo vanga vachiviga nhengo yebato ravo, Va Patson Dzamara, avo varadzikwa kumusha kwavo kwaMutoko.

Vamiriri vedzimwe nyika muZimbabwe vanoburitsa pachena kushushikana kwavo nekusamira zvakanaka kwezvinhu muZimbabwe uye vari kukurudzira kuti hurumende irwise huori zvikuru munyaya dzezvicherwa.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvotaura pamusoro pekutambira zviri pamutemo kudomwa kwakaitwa VaDonald Trump neRepublican National Convention kuitira kuti vamirire bato ravo musarudzo yemutungamiri weAmerica muna Mbudzi.

Makanzuru emumaguta anoramba kutambira zvakomekedzwa nehurumende zvekuti vanoona nezvekufambiswa mabasa mumatunhu akasiyana siyana kuti vange vachipinda mumisangano yemakanzuru, asi makanzuru emumaguta achiti izvi hazvisi pamutemo.

Mutambi wemuZimbabwe ane mukurumbira, Tino Kadewere, ari kutarisirwa kupinda munhandare manheru anhas apo chikwata chake chiri kukweshana neDijon

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG