Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 15, 2020


Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwuchiri pamazana maviri nemakumi maviri nevana, kana kuti 224, uye vanhu vabatwa nechirwere ichi vava zviuru zvinomwe nemazana mashanu nemakumi matatu nemumwe chete, kana kuti 7, 531.

Mapurisa anosunga mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joana Mamombe, zvichitevera kutadza kwavaita kumira mudare nhasi sezvange zvakatarisirwa kunyange hazvo magweta avo anga azivisa dare kuti Muzvare Mamombe vari kurapwa muchipatara.

Sangano re Voluntary Media Council of Zimbabwe rinoti riri kushushikana kuti zviri mubhiri rekuvandudza mutemo we Zimbabwe Media Commission hazvisi zvinhu zviri kushuvirwa nevatori venhau.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti hurumende yavo yakwanisa kugadzirisa nyaya yebhajeti kuitira kuti hurumende isashandise mari yakawandisa mukubhadhara vashandi asi mukusimudzira nyaya yezvivakwa nezvimwe

Vabereki vakawanda vanoti havana mari yekuti vana vavo vanyore bvunzo dze Advanced Level ne Ordinary Level kunyange hazvo nguva yekunyoresa bvunzo idzi yakawadzerwa

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika zvinobata vanhukadzi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG