Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 22, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Nyanzvi dzehutano dzokurudzira kuti nyika isimbise hurongwa hwekudzivirira kupararira kwe covid-19 kunyange hazvo huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi pamwe nekufa nacho huri kudzikira. Izvi zvinotevera kuwanikwa kwevanhu makumi maviri nevatatu vaine chirwere ichi uye kufa kwemunhu mumwechete nezuro, sezvakaziviswa nebazi rezvehutano.

Vakambove ghavhuna weMidlands, VaJason Machaya veZanu PF, vanotongerwa kugara mujeri kwemakore mana mushure mekuwanikwa vaine mhosva yekuita huori pakutengeswa kwenzvimbo dzekuvakira dzimba mudunhu ravo.

Masangano anomirira varairidzi anoti haasi kudzokera kuzvikoro pazvinovhurwa svondo rinouya kudzamara hurumende yabvuma kutambirisa varairidzi mari inotangira pamazana mashanu nemakumi mashanu emadhora ekuAmerica.

Vagari vekuMasvingo vochema chema nedanho rekanzuru yavo rekuvawanisa mvura kaviri pasvondo panguva iyo vanhu vari kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti hurumende iri kuita gudziramukanwa pairi kuti musika wekutengesa mari wakaparurwa neReserve Bank of Zimbabwe musi wa 23 Chikumi uri kushanda zvakanaka zvekuti dhora renyika rave kusimba uye mitengo yezvinhu yave kudzikira.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG