Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 04, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakanga kwasvika pazviuru zvitanhatu nemazana matanhatu nemakumi manomwe nevasere, kana kuti 6 678, asi huwandu hwevafa hwakaramba huri pamazana maviri nevatanhatu kana kuti 206 sezvo pasina akafa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoudza musangano wePOLAD wechina kuti munyika hamuna dambudziko. VaMnangagwa vatiwo hurongwa hwekugovera ivhu kuvatema hahufi hwakadzorwa, vachiti zviri kuitika iye zvino kuteverwa nekuzadzisa zviri mubumbiro remitemo yenyika.

Vaimbove varwiri vehondo yerusununguko votatsurana pamusoro pehurongwa hwehurumende hwekuda kuripa vachana vakatorerwa mapurazi avo vamwe vachiti vari kutsigira hurongwa uhwu asi vamwe vachiti kwete.

Meya mutsva weguta reHarare, VaJacob Mafume, vanoti vachaita basa ravo nemazvo sezvinotarisirwa nevagari vemuguta reHarare, asi vachiti dambudziko guru nderekushaya mari inokwanira mabasa ose anofanirwa kuitwa nekanzuru yavo.

Vamwe vevatambi venhabvu vemuZimbabwe vari muSouth Africa vatarisana nekunyura muAbsa Premiership apo makundano aya arikusvika kwamvura yacheka makumbo mangwana. Michael Kariati anotipa nyaya iyi

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nezvizvarwa zveZimbabwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG