Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 08, 2020


Vanhu zana nemakumi masere nevaviri kana kuti 182 vanowanikwa vaine chirwere cheCovid-19 pavanhu mazana mana negumi nevatanhatu, kana kuti 416 vakavhenekwa nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vane chirwere ichi munyika pazviuru zvinomwe nemazana maviri ane makumi mapfumbamwe nevasere kana kuti 7 298.

Vanhu vafa vasvikawo pamazana maviri negumi, kana kuti 210 zvichitevera kushaya kwevamwe vaviri nezuro wakare.

Bato reZanu PF rinoti chikwata chebato riri kutonga kuSouth Africa reAfrican National Congress kana kuti ANC hachisi kuzoonana nemapato anopikisa sezvo richiti munyika hamuna matambudziko arimo.

Vaimbi nevanoita mabasa emitambo vochema chema zvikuru nemari shoma yekutsigira zvirongwa zvavo munguva ino yeCovid-19 yavari kuwaniswa nebazi rezvemitambo.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti Zimbabwe inofanirwa kusimbaradza mabasa ekurima pamwe nekuona kuti varimi havasi kugarira mapadza avo mwaka uno sezvo kurima kuchikwanisa kusimudzira hupfumi hwenyika.

Muchirongwa cheLiveThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kusangana nevechidiki muhupenyu hwayo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG