Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 10, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakwira nezuro kusvika pamazana maviri nemakumi maviri nevaviri, kana kuti 222, zvichitevera kufa kwevanhu vana nezuro wakare.

Dare redzimhosva muBulawayo rinoudzwa kuti nyaya yeGukurahundi inyaya inobaya moyo yevakawanda nokudaro inofanirwa kubatwa zvakanaka pachishandiswa zvose zvinotsigirwa nebumbiro remitemo yenyika.

Nyaya yanga ichipomerwa vatori venhau, Frank Chikowore na Sam Takawira, inoraswa nedare redzimhosva muHarare.

Ukuwo kanzura weMDC Alliance kuMasvingo, VaGodfrey Kurauone, vanowanikwa vasina mhosva nedare rekuMasvingo pamhosva yavanga vachipomerwa.

Mapurisa emuHarare anosunga mutungamiri weZinasu, VaTakudzwa Ngadziore, avo vanga vachiratidzira pamahofisi ekambani yeImpala Car Rental iyo ine motokari inonzi yakashandiswa pakupambwa kwaVa Tawanda Muchehiwa, avo vakatochwa zvakaipisisa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoparura bhuku rinove rekutanga rinodonongodza nhoroondo yekusununguka kweAfrica pamabiko akaitirwa kumuzinda weState House nezuro

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika zvinobata vanhukadzi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG