Accessibility links

Breaking News

America Yoshushikana neKupambwa kweVanopikisa Hurumende muBelarus


Mutungamiri weBelarus VaAlaksandr Lukashenka
Mutungamiri weBelarus VaAlaksandr Lukashenka

Mhirizhonga yezvematongerwo enyika muBelarus kubva pakasarudzwa zvakare mutongi wechisimba, VaAlexander Lukashenka, musi wa 9 Nyamavhuvhu, iri kuenderera mberi.

Nhengo dzinopikisa muBelarus dzakaumba kanzuru ye National Coordination Council, kana kuti NCC, kuti dzizeye nevakuru vakuru vemuBelarus nyaya yekuitwa kwesarudzo nenzira yakasununguka uye kutambidzanwa kwemasimba.

Panzvimbo yekutaurirana muchokwadi, hurumende yaVaLukashenka yakaparura ongororo ine zvematongerwo enyika mukati yekuferefeta National Coordination Council uye ikasunga nekuchengetedza pamwe nekumanikidza vanopikisa kubuda munyika pamwe nekupamba nhengo dzeNCC.

Naizvozvo, America iri kunetsekana zvikuru nekupambwa kwenhengo yeNational Coordination Council, Mariya Kalesnikava kuMinsk, musi wa 7 Gunyana uye nekudzingwa kwemutauriri NCC, VaAnton Rodnenkou nemunyori mukuru, Va Ivan Krautsou, musi wa8 Gunyana.

VaMaxim Znak, zvakare nhengo yeNational Coordination Council, vakaiswa muhusungwa zuva rakatevera.

America inorumbidza hushingi hwaAmai Kalesnikava uye hwevanhu veBelarus mukusimbisa runyararo nekodzero dzavo mukusarudza vatungamiriri vavo musarudzo dzakasununguka uye dzakachena.

Varatidziri vemunyika iyi vanotarisana nemhirizhonga ine hutsinye uye kudzvinyirirwa nevakuru vehurumende, izvo zvinosanganisira kurohwa zvakaipisisa masikati machena, kuiswa muhusungwa kwezviuru nezviuru zvevanhu, pamwe nekupambwa kwevanhu kunonzi kuri kuramba kuchiitika

Kubva musi waGunyana 1, vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro vari kutarisana nekumbunyikidzwa kwekodzero dzavo, pamwe nekurohwa nevechiuto vanenge vakapfeka mbatya nhema vakavhara zviso zvavo. Vadzidzi vakawanda vakatorwa kubva mumigwagwa ndokukandwa mumotokari dzinenge zvisina nhamba dzakanyorwa.

America, pamwe chete nemadzisahwira ayo, iri kufunga kuwedzera zvirango zvakatemerwa nyika iyi kuitira kuti imise tsika yekutyora kodzero dzevanhu nekudzvanyirira vanhu vemuBelarus.

"Tinoyeuchidza hurumende yeBelarus kuti ichengetedze kodzero dzaAmai Kalesnikava nevose vakasungwa vasina kupara mhosva," vakadaro gurukota rezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika, VaMike Pompeo.

"Tinokurudzira hurumende yemuBelarus kuti imise mhirizhonga yairi kuitira vanhu vayo, kusunungura vese vakasungwa zvisina kukodzera, kusanganisirachizvarwa chemu America, VaVitali Shkliarov, uye kuita nhaurirano dzechokwadi nevamiriri vevanhu vemuBelarus."

EDITORIAL BELARUS
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG