Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 07, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro manheru kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakasvika pavanhu zviuru zvinonwe nemazana mapfumbamwe negumi nevashanu, kana kuti 7, 915, zvichitevera kubatwa kwevanhu gumi nevanomwe nechirwere ichi, munhu mumwe chete akafawo nezuro wekare.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, nevamwe vavo vanodarika gumi, vanotoreswa mhiko yekuva nhengo dzeNational Assembly ne Senate.

Mapurisa anopisa misha yevamwe vanhu vakagara patsva papurazi riri kuNyamandlovu achiti vanhu ava vakagara zviri kunze kwemutemo.

Gakava pakati pevari kumirira bato reRepublican Party, VaMike Pence, nevari kumirira bato reDemocratic Party, Amai Kamala Harris, kuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika, riri kuitwa nhasi manheru kuno kuAmerica.

Zimbabwe inobvumidza zvizvarwa zvayo kutanga kubuda munyika zvichienda kudzimwe nyika zvichitevera kuvharwa kwakanga kwaitwa nyika nepamusana pechirwere cheCovid-19

Dambudziko rekuroorwa kwevanasikana nguva yavo isati yakwana ronetsa mhuri dzakawanda munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kutwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG