Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro manheru kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakasvika pazviuru zvinonwe nemazana mapfumbamwe negumi nevapfumbamwe, kana kuti 7, 919, zvichitevera kubatwa kwevanhu vana nechirwere ichi nezuro wekare.
Mapato eMDC Alliance neMDC -T osangana muparamende pakatarisirwa kuti Muzvare Thokozani Khupe ndivo vachange vari mutungamiri wemapato anopikisa mudare iri
Gakava pakati pevari kumirira bato reRepublican Party, VaMike Pence, nevari kumirira bato reDemocratic Party, Amai Kamala Harris, kuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika, rakaitwa nezuro manheru pasina kupindirana kwakanyanya apo mumwe anenge achitaura.
Varimi vochema chema zvikuru nekudhura kuri kuita mbewu nefotireza izvo vati zvichaita kuti vatadze kurima mwaka uno.
Zimbabwe Football Association inodoma chikwata chenhabvu chichaita mutambo wekuedzana masimba nechikwata cheMalawi
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kutwa nevanhukadzi muhupenyu hwavo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum