Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vanopiwa Mukana weKubvunza VaTrump naVaBiden Zvavanoda Kunzwa Pamberi peSarudzo


Mutungamiri weAmerica uye vachamirira Republican Party musarudzo, VaDonald Trump nevachamirira Democratic Party, VaJoe Biden
Mutungamiri weAmerica uye vachamirira Republican Party musarudzo, VaDonald Trump nevachamirira Democratic Party, VaJoe Biden

Mutungamiri weAmerica vari ivo vari kumirira bato reRepublican Party musarudzo, VaDonald Trump, nevari kumirira Democratic Party, VaJoe Biden, nezuro vakaita misangano panguva imwechete munzvimbo dzakasiyana vachipindura mibvunzo yeveruzhinji mukutsvaga kwavo rutsigiro masvondo mashoma sarudzo dzichaitwa musi wa 03 Mbudzi dzisati dzaitwa.

Vaviri ava vaifanirwa kunge vakasangana mugakava, asi mushure mekunge VaTrump vazivisa musi wa 02 Gumiguru kuti vakanga vabata chirwere cheCovid-19, varongi vegakava iri vakaita kuti musangano uyu uchiitwa pachishandisswa zvivhitivhiti kana kuti virtual, asi VaTrump vakaramba kupinda mazviri.

Kwakazove nemisangano neveruzhinji mumatunhu ePennsylvania neFlorida, VaTrump vachitevera musarudzo, vave kuedza kushandisa nguva yakarasika. Chiitiko ichi chakaburitswa nenhepfenyuro yeNBC News.

Vachitaura, VaTrump vakati vakanga vari kuNorth Carolina nezuro wakare uko vakaita musangano mukuru kwazvo wekutsvaga rutsigiro wakapindwa nevanhu vakawanda chose, uye vakanzwa zvakanaka chose. Vakatiwo vaive mumatunhu e Florida, Pennsylvania nemamwe ose.

VaTrump vakadzivirirawo matanho avo pachirwere cheCovid-19, vachiti vakamisa kupinda kwendege dzaibva kuChaina (China) mukupera kwaNdira.

Asi mhinduro iyoyo yakasvoropodzwa zvikuru naVaBiden, avo vaivewo mumusangano neveruzhinji waikokerwa naGeorge Stephanopoulos wenhepfenyuro yeABC News.

“Raive basa remutungamiri wenyika kutungamira asi haana kuita saizvozvo. Haana kutaura pamusoro pezvaifanirwa kuitwa nekuti, semaonero angu, aingoramba achishushikana nezvemusika wemari,” VaBiden vakadaro.

VaBiden vakati VaTrump vaifanirwa kumanikidza magavhuna ematunhu pamwe nemameya kuti vadzike mitemo iyo vanoti yaikwanisa kuponesa hupenyu hwevanhu vakawanda.

Vakadomwa naVaTrump kuti vave mutongi wedare reSupreme Court, Amai Amy Coney Barrett, vari mudare reSeneti uko vari kubvunzurudzwa svondo rino, uye kana vakatambirwa, zvinogona kubatsira kuona anokunda musarudzo.

“Zvinenge zviri kwavari. Ndinofunga kuti vanogona kupa mutongo unogona kunditsigira kana kunditsikirira. Handione zvangu paine dambudziko.” VaTrump vakadaro.

VaBiden havana kuzvipira pakuti vachawedzera here huwandu hwevatongi vedare reSupreme Court senzira yekushandura mamiriro akaita vatongi.

Vakati havasi kuzvitevera, uye zvimira nekuti zvinenge zvabuda sei

Vaviri ava vanowirirana pachinhu chimwechete.

VaTrump vakati “Tine sarudzo iri kuuya. Ndinofunga ndiyo sarudzo yakakosha munhoroondo yenyika yedu.”

Ukuwo, VaBiden vakavimbisa kushanda nevebato reRepublican kana vakasarudzwa.

“Nekuti pane zvinhu zvakawanda chose zvatiri kuwirirana mazviri.”

Asi pane zvakaewanda zvinopesanisa mapoka aya. Vanhu vatotanga kuvhota pamberi pesarudzo mumatunhu akawanda uye VaTrump vari kuyambira kuti panogona kuitwa chitsotsi chakakura. Nyanzvi zhinji munyaya dzesarudzo dzinoti izvi hazvisati zvamboitika. VaTrump vakabvunzwa kana vaizotambira zvinenge zvabuda musarudzo.

“Mhinduro inoti hongu, Hongu ndinotambira. Asi ndinoda kuti ive sarudzo inovimbika, zvinove zviri kludiwawo nemunhu wese.”

Vari kukwikwidza ava vari kutarisirwa kusangana svondo rimwe chete kubva iye zvino mugakava ravo ravanenge vari pamwechete rekupedzisira.

Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG