Hurumende yakazivisa nezuro manheru kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakanga hwasvika pazviuru zvinomwe nemazana manomwe ane makumi mashanu nevaviri, kana kuti 7,752 zvichitevera kubatwa kwevanhu makumi maviri nevanomwe nezuro wakare.
Dare redzimhosva rinorasa chikumbiro chechimbi chimbi chekuti hurumende imise chirongwa chayo chekuviga patsva vanhu vakafa munguva yeGukurahundi
Masangano anorwira kodzero dzevanhu oshushikana nemabatirwo ari kuitwa mumiriri weHarare West muNational Assembly, Muzvare Joanna Mamombe, avo vakakandwa mujeri kwemasvondo matatu kuitira kuti vaongororwe pfungwa dzavo vakamirira kutongwa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakataura nezuro Manheru pamusangano weUnited Nations General Assembly, vachishora zvirango zvavakati zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumavirira.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kutamba nhabvu kuSouth Africa zvanga zvaomerwa nehupenyu, zvinowana zvikwata zitsva zvekutambira.
Studio7 inoita hurukuro nemunyori ane mukurumbira munyika, Tsitsi Dangarembga, uyo ari pavanhu vashoma vakadomwa kukwikwidza mubairo we 2020 International Booker Prize.
Muimbi wemuBotswana ane mukurumbira, Odirile Sento, uyo anozivikanwa nerekuti Vee Mampeezy, anoti kubudirira kwaari kuita kuri kubva kurutsigiro rwaari kuwana kubva kuzvizvarwa zveZimbabwe
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika kumusangano weUnited Nations General Assembly.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum