Zimbabwe inoparura chiumbwa chegamba rakatanga kurwa muhondo yeChimurenga, Ambuya Nehanda, pahurongwa hunonzi hwanga huchityora mitemo yeCovid-19 inorambidza vanhu vanodarika makumi mashanu kuungana.
Vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu makumi maviri nevatatu vakabatwawo nechirwere ichi nezuro wakare.
Vakasanobata chinzvimbo chemukuru wevatongi munyika, Amai Elizabeth Gwaunza, vatoresa vatongi veshanu vedare repamusoro soro mhiko yebasa hurumende ichiti hapana kana dambudziko pamashandiro ematare edzimhosva munyika sezvo matare ese ari kushanda sezvaanotarisirwa kuita.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika dzakasiyana siyana zviri kuunganidza mari yekubatsira mutungamiri wesangano re Transform Zimbabwe, vaJacob Ngarivhume, muzvirongwa zvavari kuita zvekuchenesa nzvimbo dzinogara veruzhinji.
Sangano reJudicial Services Commission rinoti rinomira nemutongo wedare repamusorosoro wakaendesa VaLuke Malaba kumadyandigere nemusi weMugovera uye Amai Elizabeth Gwaunza, ndivo vacharamba vakabata matomu kudzamara nyaya dziri kumatare dzapera kunzwikwa.
Studio7 inotaura nemagweta pamusoro pekupikisa kwehurumende mutongo wedare redzimhosva wakati mukuru wevatongi vematare edzimhosva, VaLuke Malaba, vaende pamudyandigere.
Mamwe magweta ari kumirira vakakwira kudare kuti vaive mutongi mukuru wematare VLuke Malaba vamanikidzwe kusiya basa anoti anoda kuti gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vatongwe nemhosva yekuzvidza dare mushure mekutyisidzira magweta nemasangano anorira kodzero dzevanhu.
Dare repamusoro rogara pasi richinzwa nyaya yekupikisa kuwedzerwa kwenguva yemutongi wematare edzimhosva, VaLuke Malaba, kuitira kuti vasaende kumudyangigere zvanga zvichifanirwa kutanga mangwana.
Kuwedzerwa kwenguva yekuramba vari pabasa kwemukuru wevatongi vematare edzimhosva, VaLuke Malaba, kwakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemusi weChipiri, kosimudza mutauro mukuru munyika.
Mitambo yeBasketball Africa League yaifanirwa kunge yakatanga muna Kurume gore rapera muguta reDakar, kuSenegal, asi ikazomiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19.
Nyaya yekuti matare edzimhosva amanikidze mukuru wematare edzimhosva, VaLuke Malaba, kuenda pamudyangigere musi wa 15 Chivabvu pavanosvika makore makumi manomwe, yonzwikwa nemusi weChishanu.
Kunyange hazvo sarudzo dziri kuitwa mugore ra2023 mapato makuru ezvematingerwo enyika ave kutoita chipatapata nhaka yemakonzo kugadzirisa pamwe nekukurudzira nhengo dzawo kunyoresa kuvhota.
Zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvinonzi zvavekupinda muZimbabwe kunobaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 panguva iyo hutachiwana hunotyirwa kuti hune simba kudarika humwe hwese hwakatanga kuonekwa kuIndia hwuchinzi hwakawanikwawo muSouth Africa.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu anobuda nechisungo chekutora matanho ose anokodzera kuitira kuti vezvematongerwo enyika vasachinja bumbiro remitemo pamadiro sezvo bumbiro remitemo yenyika rakabva muvanhu vanova ndivo chete vane kodzero yekurivandudza.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoita musangano wepadandemutande achigunun’una zvikuru nekuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika.
Dare reSenate rinotambira kuvandudzwa kweConstitutional Amendment Bill Number 2 zvichitevera kuvhota kwemaseneta makumi matanhatu nemashanu achitsigira bhiri iri, ukuwo maseneta gumi achiripikisa.
Mutongi wedare repamusoro, VaTawanda Chitapi, vanoti vachapa mutongo wavo nemusi weChipiri pachikumbiro chemumiriri weHarare West muNational Assembly, Muzvare Joana Mamombe naMuzvare Cecilia Chimbiri, chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso. Mutongo uyu wanga uchifanirwa kupihwa nhasi.
Vemabhizinesi vanoparura chirongwa chekubaya vanhu nhomba vachishanda pamwe chete nehurumende nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, votarisirwa kutaura nhasi manheru mudare re Congress pamusoro pemashandiro ehurumende yavo pamwe nehurongwa hwayo hwekudyidzana nedzimwe nyika zvichitevera kusvitsa kwayaita mazuva zana kubva musi wagadzwa vabiden semutungamiri weamerica musi wa Ndira 20, 2021.
Mutongi wedare repamusoro, Justice Jester Charewa, vanorasa mhosva yanga ichipomerwa mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, yekuburitsa manyepo vachiti mutemo wakashandiswa kusunga Chin’ono, wakabviswa mumabhuku emitemo.
Rodhai zvimwe