Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 28, 2021


Mutongi wedare repamusoro, Justice Jester Charewa, vanorasa mhosva yanga ichipomerwa mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, yekuburitsa manyepo vachiti mutemo wakashandiswa kusunga Chin’ono, wakabviswa mumabhuku emitemo.

Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika dziri muSADC Troika mukutsvaga nzira dzekupedza hondo iri kuitika mudunhu reCabo Delgado kuMozambique.

Asi mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vanoti mangwana havasi kukwanisa kuenda kumusangano weSADC Troika Summit kuMaputo zvichitevera kuzvitsaura paruzhinji kwavaita mushure mekunge chipangamazano chavo chabatwa nechirwere cheCovid-19.

Nyanzvi dzehutano dzotambira nemufaro danho rakaziviswa nezuro nenyanzvi dzehutano muAmerica rekubvumidza vanhu vakabaiwa nhomba dzose mbiri dzekudzivirira Covid-19 kufamba panze kana kuungana neshamwari munzvimbo dzekudyira vasina zvivharangozi, kana kuti mamasiki.

Mukuru weWorld Health Organisation muZimbabwe, Dr Alex Gasarira, vanorumbidza zviri kuitwa nehurumende mukurwisa denda reCovid-19 asi vachiyambira kuti vanhu havafanirwe kurivara mukuramba vachitevedzera zvose zvinokurudzirwa nenyanzvi dzezvehutano pakudzivirira denda iri.


Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, votarisirwa kutaura nhasi manheru mudare re Congress pamusoro pemashandiro ehurumende yavo pamwe nehurongwa hwayo hwekudyidzana nedzimwe nyika zvichitevera kusvitsa kwayaita mazuva zana kubva musi wagadzwa VaBiden semutungamiri weAmerica musi wa Ndira 20, 2021.

Sangano reZimbabwe Wrestling and Boxing Control Board raparura hurongwa hwekuparidzira makundano ari kuunganidza vatambi vane mukurumbira pasi rese uyo uchaitirwa muZimbabwe

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa .

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG