Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, votarisirwa kutaura nhasi manheru mudare re Congress pamusoro pemashandiro ehurumende yavo pamwe nehurongwa hwayo hwekudyidzana nedzimwe nyika zvichitevera kusvitsa kwayaita mazuva zana kubva musi wagadzwa vabiden semutungamiri weamerica musi wa Ndira 20, 2021.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Doctor Moses Rumano, vanoti vakatarisira kuti VaBiden vachataurawo pamusoro pemabatiro avaita chirwere cheCovid-19 mu America uye vachitsinhira kukosha kwakaita kuvandudzwa hwehupfumi hwenyika yavo pamwe nehukama hweAmerica nedzimwe nyika.
"Takatarisira kuti tinzwe zvizere pamusoro pemabasa abatwa naVaBiden panyaya yekurwisa denda reCovid-19 parizvino, hwaro hwavo munyaya dzezvehupfumi, nyaya yekudyidzana kwenyika yavo nedzimwe nyika, nyaya yekuremekedza zvimwe zvibvumirano zvanga zvaraswa nevaimbove mutungamiri VaDonald Trump nezvimwewo zvavakaita kubvira vatora matomhu kutanga kwegore," vadaro Doctor Rumano.
Facebook Forum