Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chivabvu 17, 2021


Bazi rezvehutano rinoti nezuro hakuna munhu akafa nechirwere checovid-19.

Mamwe magweta ari kumirira vakakwira kudare kuti vaive mutongi mukuru wematare VLuke Malaba vamanikidzwe kusiya basa anoti anoda kuti gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vatongwe nemhosva yekuzvidza dare mushure mekutyisidzira magweta nemasangano anorira kodzero dzevanhu.

Hurumende yotarisirwa kupikisa mutongo wekuti vaive mutongi wematare VaLuke Malaba vamanikidzwe kuenda pamudyandigere.

Vatyairi vemarori vemuZimbabwe vanoti vave kutotanga kuomerwa nezvinhu nenyaya yekuvhurwa kwezambuko reKazungula.

Munyaya dzezvehutano, nyanzvi uye vanhuwo zvavo votambira nemufaro kupihwa mvumo yekushandiswa zvechimbi chimbi kwenhomba yeSinopharm yekuChina nesangano reWorld Health Organization.

Munhau dzemitambo, mumhanyi akaita mukurumbira makore apfuura partson muderedzi asarudzwa kupinda mubhodhi renational athletics association of zimbabwe kana kuti naaz zviri kutambirwa nevakwanda munyika.

Muchirongwa chelivetalk na8pm tiri kutarisa nyaya yechirwere cheCovid-19. Tichazeyawo nyaya yanetsa yekumanikidzwa kusiya basa kwemutongi mukuru wematare VaLuke Malaba.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG