Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chivabvu 10, 2021


Zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvinonzi zvavekupinda muZimbabwe kunobaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 panguva iyo hutachiwana hunotyirwa kuti hune simba kudarika humwe hwese hwakatanga kuonekwa kuIndia hwuchinzi hwakawanikwawo muSouth Africa.

Kunyangwe hazvo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaenda kuri kuvhurwa zviri pamutemo zambuko reKazungula vachiti Zimbabwe iri muhurongwa uhu, mashoko ari kubva kuhurumende dzeZambia neBotswana ari kubuda pachena kuti Zimbabwe haisi mumushandirapamwe uyu.

VaTashinga Nyasha Masinire, chizvarwa chemuZimbabwe chakasungwa nemusi weMugovera kuSouth Africa negoridhe rinosvika marands mamiriyoni gumi nerimwe kana kuti R11 million rakaburisitwa muZimbabwe zvisiri pamutemo, vopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Vagari vekumaruva ekuMasvingo vofara negoho rakanaka mwaka uno asi vachi chema chema kuti mitengo yezvinhu yave kudhura zvakanyanya.

Munhau dzemitambo, chikwata cheZimbabwe chemaChevrons chazvindikitwa zvakasimba nePakistan mumutambo wechipiri wemaTest uyo wapera muHarare Sports Club nhasi. Michael Kariati anotitaurira kuti zvinhu zvafamba sei..

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yechirwere cheCovid-19 uye kupihwa mvumo yekushandiswa zvechimbichimbi kwenhomba yeSinopharm neWorld Health Organization. Tichatarisawo nyaya yekunetsana kwevemakombi neZUPCO.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG