Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 11, 2021


Nhengo yeMDC, VaGift Konjana, avo vakakunda musarudzo dzeparamende dza2018 kuChegutu West asi vakatadza kupinda muparamende mushure mekunge Zimbabwe Electoral Commission yakanganisa nekudoma VaDexter Nduna veZanu PF saivo vakakunda musarudzo iyi, vakwidza nyaya yavo kudare reConstitutional Court kuitira kuti rigadzirise nyaya iyi mushure mekunge nyaya yavo yaraswa nematare eElectoral Court neSupreme Court.

Kunyange hazvo sarudzo dziri kuitwa mugore ra2023 mapato makuru ezvematingerwo enyika ave kutoita chipatapata nhaka yemakonzo kugadzirisa pamwe nekukurudzira nhengo dzawo kunyoresa kuvhota.

Rimwe sangano rinomirira varairidzi, reAmalgamated Rural teachers Union of Zimbabwe, rinoburitsa gwaro rinoti zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana (90%) zvezvikoro zviri pasi pehurumende hazvisi kutevera zviga zvakatarwa nehurumende zvekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19 muzvikoro, kunyange hazvo hurumende yagara ichiti inogutsikana nemamiriro akaita zvinhu muzvikoro zvayo.

Vanhu gumi nevana vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi pazviuru makumi matatu nezvisere nemazana mana nemakumi matatu nevatatu, 38 433.

Studio7 inotarisa zvakadzama huori huri kuitwa munyaya dzekutengeswa kwegoridhe zvisiri pamutemo.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyaya dzeCovid-19 pamwe nezvegakava riripo zvichitevera kusainwa kweConstitutional Amendment Bill Number 2 nemutungamiri wenyika kuti rive mutemo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG