Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 07, 2021


Masangano anorwira kodzero dzevanhu anobuda nechisungo chekutora matanho ose anokodzera kuitira kuti vezvematongerwo enyika vasachinja bumbiro remitemo pamadiro sezvo bumbiro remitemo yenyika rakabva muvanhu vanova ndivo chete vane kodzero yekurivandudza.

Vashandi vekanzuru yeChitungwiza vanopa kanzuru kusvika musi wa 16 mwedzi uno kuti inge yagadzirisa zvinyunyuto zvavo, kukundikana kwayo voramwa mabasa.

Asi kanzuru yeChitungwiza inoti ine chido chekuvandudza mashandiro pamwe nemararamiro evashandi vayo kunyange hazvo zvinhu zvanga zvakaiomera.

Nyanzvi munyaya dzedzidzo dzozeya zviri kupa kuti vadzidzi vakawanda vakundikane munyaya dzedzidzo munyika zvichitevera zvakabuda mubvunzo dze Grade7, Ordinary Level ne Advanced Level.

Studio7 inoenda kuGokwe mudunhu reMidlands uko inoona zviuru nezviuru zvevagari veko vachichengeta nhunzi nemazai emakonye adzinozvara ayo ari kushandiswa sechikafu chehuku muchirongwa chine zvipangamazano zvinobva kuChinhoyi University of Technology, uye chichitsigirwa nehurumende yeBritain.

Mitambo yetsiva inodzokera munhandare mangwana, asi veruzhinji vachange vachiionera padandemutande reSly Media vachishandisa nharembozha dzavo sezvo vanhu vasiri kubvumidzwa kuungana kuti vaone mitambo iyi nepamusana pechirwere cheCovid-19.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvakadzama zvinhu gakava riripo zvichitevera kuvandudzwa kwakaitwa bumbiro remitemo yenyika iro ramirira kusainwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti richishandiswa zviri pamutemo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG