Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 04, 2021


Dare reSenate rinotambira kuvandudzwa kweConstitutional Amendment Bill Number 2 zvichitevera kuvhota kwemaseneta makumi matanhatu nemashanu achitsigira bhiri iri, ukuwo maseneta gumi achiripikisa.

Mutongi wedare repamusoro, Justice Tawanda Chitapi, vanokundikana kupa mutongo wavo nhasi pachikumbiro chenhengo mbiri dzeMDC Alliance, Muzvare Joana Mamombe naMuzvare Cecilia Chimbiri, chekuti dzitongwe dzichibva kumba vachiti havasi kunzwa zvakanaka. Justice Chitapi vave kutarisirwa kupa mutongo wavo mangwana.

Zimbabwe Anti Corruption Commission inoti pane vamwe vashandi veZimbabwe National Road Authority, Zinara, vakasungwa mushure mekunge komiti yeparamende inoona nezvemashandisirwo emari dzehurumende yapomera vakuru veZinara mhosva yekuita zvehuori.

Nyanzvi munyaya dzehutano dziri kukurudzira kuti veruzhinji varambe vachitevedzera zviri kukurudzirwa nesangano reWorld Health Organization zvekuti vasagare vakaungana, vagare vachigeza maoko avo pamwe nekupfeka mamasiki senzira yekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid-19.

Sangano rinoona nezvevapoteri pasi rose re United Nations High Commissioner for Refugees rinomisa kudzoserwa kuZimbabwe kwevarume vatanhatu vaimbove muchiuto vasati vatsvaga hupoteri kuBotswana richiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe kuvarume ava. Asi izvi zvinopesana nemaitiro esangano iri iro rakatsigira kudzoswa kwemusha kwezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe richiti zvinhu zvanaka munyika iyi.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG