Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 12, 2021


Nyaya yekuti matare edzimhosva amanikidze mukuru wematare edzimhosva, VaLuke Malaba, kuenda pamudyangigere musi wa 15 Chivabvu pavanosvika makore makumi manomwe, yonzwikwa nemusi weChishanu.

Bato reNational Consitutional Assembly rinoti Zanu PF inofanirwa kurangwa nokuti iri kuenderera mberi nekushandura bumbiro remitemo yenyika panguva iyo veruzhinji vari kupikisa kushandurwa kwaro.

Dare redzimhosva rinomisa nyaya yekutongwa kwemadzimai matatu eMDC Alliance anoti Muzvare Joana Mamombe, Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova, richiti dare rinofanirwa kutanga rapedza nyaya yevatatu ava avo vasiri kuda kutongwa naAmai Bianca Makwande nemuchuchisi, VaMichael Reza nezvikonzera zvavakasvitsa mudare.

Studio7 inoita hurukuro nenhengo yeMDC Alliance, VaLegwani Mavhunga, avo vakadirwa muchetura kumeso nevanofungidzirwa kuti vasori panguva iyo vaive mumaoko emapurisa paHarare Central Police Station.

Vanhu gumi nevashanu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vanhu vatatu vakafa nechirwere ichi nezuro wakare, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi pazviuru makumi matatu nezvisere nemazana mana nemakumi mana nevasere, 38 448, uye vafa nechirwere ichi vahisvika pachiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi manomwe nevapfumbamwe, 1 579.

Nhasi tine hurukuro nechimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaTafadzwa Chikoto vakaberekerwa kuUzumba, avo vakasarudzwa kuve kanzura weThrapston mudhorobha reCorby kuUnited Kingdom. VaChikoto vakakwikwidza vachimirira bato reLabour Party.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG