Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 25, 2021


Zimbabwe inoparura chiumbwa chegamba rakatanga kurwa muhondo yeChimurenga, Ambuya Nehanda, pahurongwa hunonzi hwanga huchityora mitemo yeCovid-19 inorambidza vanhu vanodarika makumi mashanu kuungana.

Mamwe masangano anomirira varairidzi anoti pane nhengo dzawo dzisina kuwana mihoro yadzo mwedzi uno uye achaendesa hurumende kumatare edzimhosva nepamusana penyaya iyi.

Vanhu gumi nevana vakabaytwa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pachiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi masere nevatanhatu, 1 586.

Vamwe vezvematongerwo enyika voita maonero akasiyana pamusoro pezvinoreva zuva reAfrica Day racherechedzwa nhasi.

Apo Africa iri kucherechedza zuva reAfrica Day, dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti kusava nehutongo hwejekerere pamwe nehuori zviri kupa kuti Africa itadze kusimukira munyaya dzehupfumi sezviri kuita dzimwe nyika dzine nhoroondo yekumbombunyikidzwa nedzimwe nyika.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG