Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 18, 2021


Dare repamusoro soro nhasi raisa pauritivi mutongo waro panyaya yaVaGift Konjana veMDC avo vakakunda nusarudzo dza2018 asi vakatadza kupinda muparamende mushure mekunge Zimbabwe Electoral Commission yakanganisa kutaura zvakabuda musarudzo ndokudoma VaDexter Nduna veZanu PF saivo vakakunda. VaKonjana vari kuda kuti dare iri rigadzirise nyaya iyi.

Studio7 inotaura nemagweta pamusoro pekupikisa kwehurumende mutongo wedare redzimhosva wakati mukuru wevatongi vematare edzimhosva, VaLuke Malaba, vaende pamudyandigere.

Vadzidzi vepazvikoro zvepamusorosoro vanobatana nevabereki vavo vachihema chema zvikuru nepamusana pekukwidzwa kwakaitwa mari dzedzidzo kutanga kotoro inotevera vachiti mari iyi yakawandisa zvikuru zvekuti vadzidzi vakawanda vachatadza kuibhadhara.

Vanhu gumi nevaviri vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi pazviuru makumi matatu nezvisere nemazana mashanu nemakumi manomwe nevaviri, 38, 572.

Bhanga guru rinokweretesa mari nyika dzepasi rino reInternational Monetary Fund rinoti Zimbabwe, IMF, inofanira kuzvipira kuvandudza zvinhu munyaya dzezvehupfumi kusanganisira kurwisa huori, kusimbisa dhora remunyika uye kuva nemazano ekuti ingabhadhare sei chikwereti chayo chinodarika mabhiriyoni gumi emadhora ekuAmerica kune vekunze chete.

IMF yave kutanga nhaurirano nehurumende kuti itange chirongwa chekuti vangashande sei kugadzirisa hupfumi kana kuti Staff Monitored Program.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki mukurwisa chirwere cheCovid-19

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG