Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 29, 2021


Vemabhizinesi vanoparura chirongwa chekubaya vanhu nhomba vachishanda pamwe chete nehurumende nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mubatanidzwa wemasangano evashandi vehurumende, weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, unonyorera hurumende tsamba uchinyunyuta nekwaunoti kuvhundutsirwa kwevashandi vehurumende, zvikuru varairidzi avo vasiri kukwanisa kuenda kumabasa nekuda kwekushaya mari dzekufambisa.

Masangano ari mumubatanidzwa weCrisis in Zimbabwe Coalition anobuda nehisungo chekuti matare edzimhosva ape mutongo unorambidza kuti Senate izeye bhiri remutemo weConstitutional Amendment Bill Number 2.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakataura madeko afuura pamberi pedare reCongress vachishambadza zvaitwa nehurumende yavo mumazuva zana kubva zvayagadzwa uye vachijekesawo gwara rehurumende yavo muzvinhu zvinobata nyaya dzakawanda.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nemadzimai munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG