Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 06, 2021


Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoita musangano wepadandemutande achigunun’una zvikuru nekuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika.

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzotarisisa nekuzeya zvakanakira pamwe nekuipira kuvandudzwa kwakaitwa bumbiro remitemo yenyika, kana kuti Constitutional Amendment Bill Number 2, iro rakapasiswa nedare reSeneti svondo rino. Bhiri rasaririra kusainwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti richive mutemo.

Gurukota rezvemaindasitiri nekutengeserana, Doctor Sekai Nzenza, vanoti Zimbabwe yasimbaradza hurongwa hwayo hwekukwezva vekunze vanoda kuuya kuzotanga mabhizmisi munyika uye svondo rino kune vakabva kuAmerica neIndia. Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zveZimbabwe kutenda maruva wadya chakata.

Mombe dzakawanda dzovhiringwa hutano hwadzo nezvirwere zvisiri kunyatsozivikanwa munyika.

Zimbabwe inodoma chikwata chemaWarriors chichatamba neBafana Bafana yekuSouth Africa mumutambo we 2022 World Cup qualifier.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zvakadzama zvinhu zvinobata vanhukadzi muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG