Dare repamusoro rogara pasi richinzwa nyaya yekupikisa kuwedzerwa kwenguva yemutongi wematare edzimhosva, VaLuke Malaba, kuitira kuti vasaende kumudyangigere zvanga zvichifanirwa kutanga mangwana.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatatu vakafa nezuro neCovid-19, uye vamwe makumi maviri nevashanu, vaviri vavo vakabva kuIndia, vakawanikwa vaine chirwere ichi. Izvi zviri kuitika panguva iyo nyika nomwe dzemuAfrica dzakawana hutachiwana hwakatanga kuwanikwa kuIndia uhwo hunonzi neWorld Health Organization hunotapuriranwa nyore kudarika humwe hwese.
Vakaremara vanoti vari kukurudzira hurumende kuti itore matanho anoita kuti pave nezvigaro zvinoiswa parutivi zvevakaremara mumakanzuru ose ari munyika kuitira kuti kodzero dzavo dzichengetedzwe.
Chikwata chekiriketi yemadzimai muZimbabwe chemaLady Chevrons chapinda mukamba kuitira kutanga gadziriro yemakundano e2022 World Cup asi chisina vamwe vatambi vane mukurumbira.
Makwikwi ekutanga eAfrica Basketball League ari kutanga muRwanda nemusi weSvondo
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum