Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 20, 2021


Vakasanobata chinzvimbo chemukuru wevatongi munyika, Amai Elizabeth Gwaunza, vatoresa vatongi veshanu vedare repamusoro soro mhiko yebasa hurumende ichiti hapana kana dambudziko pamashandiro ematare edzimhosva munyika sezvo matare ese ari kushanda sezvaanotarisirwa kuita.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo hadzisi kuwirirana panyaya yekuti matare aita chadzimira here kana kuti kwete panyaya yekuti potorwa danho ripi nezvemutongi mukuru wematare VaLuke Malaba vakanzi nedare repamusoro vaende pamudyandigere asi hurumende ikapikisa mutongo uyu kudare repamusoro soro.

Zanu PF inoramba mashoko ekuti iri kumanikidza vanhu kuti vaite nhengo dzaro uye ichitiwo hurumende yayo iri kuvandudza nyaya dzebudiriro nekumutsurudzwa kwemaindasitiri.

Sangano reAmnesty International rinoti vanhukadzi vakawanda vane dambudziko guru rekuwana rubatsiro rwakakodzera munyaya dzehutano izvo zviri kupa kuti hutano hwavo huve panjodzi huru.

Zimbabwe neBotswana dzaita chibvumirano chekubairana nhomba yeCovid-19 zvizvarwa zvadzo zvinogara munyika mbiri idzi.

Muchirongwa cheWomen’s RondTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG