Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 19, 2021


Mutungamiri wesangano remagweta reZimbabwe Law Society, VaWellington Magaya, vanoti vanyora tsamba kugurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, kuti vaburitse humbowo hwavanoti vanahwo hwekuti vatongi vematare vari kutonga vakarerekera rimwe divi mushure mekunge vapa mutongo wekuti mutongi mukuru wematare edzimhosva aenda pamudyandigere sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Sangano reJudicial Services Commission rinoti rinomira nemutongo wedare repamusorosoro wakaendesa VaLuke Malaba kumadyandigere nemusi weMugovera uye Amai Elizabeth Gwaunza, ndivo vacharamba vakabata matomu kudzamara nyaya dziri kumatare dzapera kunzwikwa.

Mutongi wedare ramajisitireti anotadza kuuya kudare kuzopa mutongo panyaya yemutori wenhau, Hopewell Chin’ono, izvo zvanzi zvichaitwa svondo rinouya nemusi weChitatu.

Vanhu makumi maviri nevatatu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye munhu mumwe chete akafa nechirwere ichi nezuro wakare.

Mitambo yenhabvu yodzoka mudzinhandare mukupera kwesvondo ichitanga nemakwikwi eChibuku Super Cup

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG