Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 13, 2021


Kuwedzerwa kwenguva yekuramba vari pabasa kwemukuru wevatongi vematare edzimhosva, VaLuke Malaba, kwakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemusi weChipiri, kosimudza mutauro mukuru munyika.

America inoti haina chinangwa chekuchinja hurumende yemuZimbabwe asi kuti inongoda kuti Zimbabwe itevedzere hutongi hwejekerere pamwe nekuremekedza kodzero dzevanhu munyika.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanokumikidza dhamu reMuchekeranwa, iro riri pamuganhu weMashonaland East neManicaland, pamwe nekuparura chirongwa chenharaunda chekuchengeta hove pasi pehomwe yePresidential Community Fisheries Scheme.

Vagari vekuMasvingo voshora zvikuru danho rekanzuru yavo rekuitira musangano wayo muguta reBulawayo vanhu vachigara mumahotera anodhura panguva iyo kanzuru iri kutadza kuitira vagary mabasa akakosha muhupenyu hwavo.

Sangano reGrain Millers Association of Zimbabwe rinoti rinotambira nemufaro mukurun danho rehurumende rekurambidza kupinda munyika kwechibage nezvimwe zvinogadzirwa kubva muchibage zvinobva kunze kwenyika.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi pamwe nezvinhu zvinotyora kodzero dzavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG