Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 21, 2021


Vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu makumi maviri nevatatu vakabatwawo nechirwere ichi nezuro wakare.

Sangano reSouthern Africa Litigation Center rinoti riri kushushikana zvikuru nekutyityidzirwa kwevatongi vematare edzimhosva muZimbabwe.

Magweta opesana panyaya yekumanikidzwa kuenda kumudyandigere kwakaitwa VaLuke Malaba nedare repamusoro svondo rapera.

Kereke yeAnglican Church mudunhu reManicaland yaita chibvumirano nekambani yeEconet, yeCassava, icho chichasimudzira magariro evanhu munzvimbo dzinoshandira chechi iyi mudunhu iri.

Mitambo yenhabvu iri kudzoka mudzinhandare muZimbabwe mangwana ichitanga nemakundano eChibuku Super Cup.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG