Accessibility links

Breaking News

U.S. National Basketball Association Yobatana neBasketball Africa League Kutanga Makwikwi eBasketball Achaiitirwa kuRwanda


Mitambo yeBasketball Africa League yaifanirwa kunge yakatanga muna Kurume gore rapera muguta reDakar, kuSenegal, asi ikazomiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Makwikwi emutambo we basketball aya ave kutarisirwa kutanga neSvondo, 16 Chivabvu kusvika 30 Chivabvu 2021.

Basketball Africa League yakazivisa kuti makwikwi aya achange achiitwa kwapera gore kubva panguva yaaifanirwa kuitwa nepamusana pechirwere cheCovid-19.

Zvikwata gumi nezviviri zvemuAfrica zvichatatsurana pamitambo ichaitwa muKigali, guta guru reRwanda.

Makwikwi aya anoitika nepamusana pekudyidzana pakati pesangano reU.S. National Basketball Association neInternational Basketball Federation.

Zvikwata gumi nezviviri zvemuAfrica zvichange zvichikweshana mumakwikwi aya.

Nyika dzichange dzakamirirwa mumakwikwi aya dzinosanganisira Algeria, Angola, Cameroon, Egypt, Madagascar, Mali, Morocco, Mozambique, Nigeria, Rwanda, Senegal neTunisia.

Zimbabwe haina chikwata chiri kuimirira mumakwikwi aya.

Aka ndekekutanga sangano reU.S. National Basketball Association richitsigira chirongwa chakadai kunze kweNorth America.

Zvikwata gumi nezviviri zvemuAfrica zvichange zvichikweshana mumakwikwi aya ndeaya:

Group A

  1. US Monastir (Tunisia) with star player Ater Majok.
  2. Rivers Hoopers (Nigeria) with star player Ben Uzoh.
  3. Patriots (Rwanda) with star player Aristide Mugabe.
  4. GNBC (Madagascar) with star player Cameron Ridley.

Group B

  1. Petro de Luanda (Angola) with star player Aboubakar Gakou.
  2. AS Salé (Morrocco) with star player Eric Kibi.
  3. AS Police (Mali) with star player Badra Samake.
  4. FAP (Cameroon) with star player Ebaku Akumenzoh.

Group C

  1. Zamalek (Egypt) with star player Anas Osama Mahmoud.
  2. AS Douanes (Senegal) with star player Chris Cockley.
  3. GS Pétroliers (Algeria) with star player Mohamed Seddik Touati.
  4. Ferroviário de Maputo (Mozambique) with star player Alvaro Calvo Masa.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG