Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 30, 2021


Mutongi wedare repamusoro, VaTawanda Chitapi, vanoti vachapa mutongo wavo nemusi weChipiri pachikumbiro chemumiriri weHarare West muNational Assembly, Muzvare Joana Mamombe naMuzvare Cecilia Chimbiri, chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso. Mutongo uyu wanga uchifanirwa kupihwa nhasi.

MDC – T inoita musangano kuMatabeleland South wekuzivisana nevatsigiri vayo pamwe nekuzeya nzira dzekuwedzera mavhoti mudunhu iri kuitira kuti panozoitwa sarudzo, bato iri rinenge riine vatsigiri vakawanda.

Zimbabwe Statistics Agency, Zimstat, inoti mari inodiwa nemhuri yevanhu vashanu pamwedzi yakakwira mumwedzi waKubvumbi kuenda pamadhora zviuru makumi maviri nezvisere zvine mazana matatu nemakumi matanhatu emari yemunyika (ZWL$28 362.00), kubva pamadhora zviuru makumi maviri nezvitanhatu nemazana mashanu ane makumi matanhatu (ZWL$26 560.00) muna Kurume.

Hurumende yokomekedza makambani ari kuda kutenga mishonga yenhomba yeCovid-19 yekubaya vashandi vawo pamwe nemhuri dzavo kuti atenge chete nhomba dziri kushandiswa munyika dzeSinovac neSinopharm dzakagadzirwa kuChina.

Vagari vekuBikita vogara vachityira hupenyu hwevana vavo vadiki zvichitevera kuwanda kwenyaya dzevana vari kuurayiwa nechinangwa chekuchekeresa vana ava.

Sangano rePremier Soccer League rinoti riri kuunganidza vanhu vachabatsira zvikwata zvenhabvu kutevera zvinodiwa pakudzivirira chirwere cheCovid 19 mugadziriro yaro yekudzoka kwemitambo yenhabvu munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvinhu zvakawanda zvakatarisana nenyika zvinoda kugadziriswa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG