Gweta riri kumirira vaimbove varwiri vehondo yerusununguko vapfumbamwe vange vari muhusungwa, VaPaidamoyo Saurombe, vanoti vsungwa ava vazoregedzwa vahienda kudzimba dzavo nhasi mambakwedza kunyangwe hazvo vange vambonzi vachamiswa pamberi pedare.
Vadzidzisi vakawanda vanoti havasi kuenda kubasa panovhurwa zvikoro nemusi weMuvhuro sezvo nyaya dzemihoro yavo dzisati dzagadziriswa uye vasina zvikwanisiro zvekushandisa kana vari pabasa, ukuwo vabereki vachiti havana mari dzekubhadharira dzidzo yevana vavo.
Sachigaro vesangano rakazvimirira rinomirira kodzero dzevaive varwiri vehondo yerusununguko re War Veterans Pressure Group, Va Amos Sigauke, vanoti vari kushushikana nekusungwa kwakaitwa nhengo dzavo pfumbamwe nezuro uye dzichiri dzakachengetedzwa kuHarare Central pari zvino dzisina mhosva yadzapome
Vadzidzisi nevabereki vakawanda vanoti hurumende yavapa nguva pfupi yekugadzirira kuvhurwa kwezvikoro asi hurumende ichiti hapana chayatadza sezvo zvikoro zvaifanirwa kuvhurwa musi wa28 Chikumi uyo wakadarika kare.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, Muzvare Marcey Guramatunhu, vanoti vakaita rombo rakanaka panguva yedenda reCovid-19 apo vakakwanisa kutenga purazi muMaryland vakabatana nemukoma wavo.
Vanhu makumi maviri nevanomwe vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vamwe vanhu mazana matatu negumi nevapfumbamwe vakabatwa nechirwere ichi nezuro.
Mutungamiri mutsva we Zambia, Va Hakainde Hichilema, vatora mhiko yekutungamira Zambia vachivimbisa kugadzirisa hupfumi hwenyika kuitira kuti munhu wese agare zvakanaka.
Mutambi wenhabvu akaita mukurumbira munyika uye akatora mukombe weSoccer Star of the Year kakawandisa kudarika vatambi vese, George Shaya, ashaya
Chimwe chizvarwa chemuZimbabwe change chichishanda muAfghanistan kwemakore matatu VaNyasha Manjese chinoti chiri kufara kuti chakakurumidza kubuda munyika iyi zvinhu zvisati zvanyanya kuita manyama amire nerongo.
Vanhu gumi nevatatu vofa nechirwere cheCovid-19 nezuro vamwe zana nemakumi matanhatu nevashanu vachibatwawo nechirwere ichi.
Vanhu makumi gumi maviri nevasere vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu mazana mashanu negumi nevana vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Vanhu makumi makumi maviri nevapfumbamwe vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu mazana mana nemakumi mana nevana vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi nevapfumbamwe vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro vamwe mazana maviri nemakumi matatu nevashanu-235 vachibatwa nacho. Asi huwandu hwevari kufa nekubatwa neCovid-19 munyika hwave kudzikira.
Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vabaiwe nhomba yeCovid-19 uye kuti vasateerere zvinobuda padandemutande zvisingabvi kunyanzvi dzehutano pamusoro penhomba dze Covid-19 sezvo vanhu vakawanda vari kupedzisira vapinda muna taisireva.
Nyanzvi munyaya dzehutano dzokurudzira kuti vanhu vaende kunobayiwa nhomba yeCovid-19 sezvo chirwere ichi chiri kuuraya vanhu vakawanda.
Vanhu makumi mana nemumwe chete vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Mumiriri weTsholotsho South muparamende, VaZenzo Sibanda, vashaya nhasi nechirwere cheCovid-19
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, varumbidza mauto nhasi vachiti ari kuita basa guru mukuunza budiriro munyika, runyararo, kurwisa chirwere cheCovid-19 pamwe nekuvaka zvikoro, makiriniki nemabhiriji munyika yose.
Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa vanoti vanoremekedza vakarwa hondo yerusungunuko asi vachitiwo rusununguko chairwo rwunouya kana kodzero dzevanhu dzichiremekedzwa munyika muine kuyanana. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu makumi manomwe nevana vakafa nechirwe cheCovid-19 huwandu hunosanganisira vamwe gumi nevatatu vakafa muHarare nemusi weMugovera vakanonoka kuziviswa.
Rodhai zvimwe