Accessibility links

Breaking News

Muzvare Marcey Guramatunhu Voita Muzvinapurazi muMaryland


Muzvare Marcey Guramatunhu
Muzvare Marcey Guramatunhu

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, Muzvare Marcey Guramatunhu, vanoti vakaita rombo rakanaka panguva yedenda reCovid-19 apo vakakwanisa kutenga purazi muMaryland vakabatana nemukoma wavo.

Vanoti vava kurima zvirimwa zvinofarirwa nevanhu vekumusha vari muAmerica. Muzvare Guramatunhu vanoti vane hurongwa hwekuratidza zvizvarwa zveZimbabwe nedzimwe nyika zvavari kurima nemusi weChishanu neMugovera.

Muzvina Purazi Marcey Guramatunhu
Muzvina Purazi Marcey Guramatunhu

Muzvare Guramatunhu vanoti ivo nemukoma wavo vane mabasa avanoshanda asi nyota yekurima ndiyo inovapa havi yekuti varime munguva yavanenge vasiri kumabasa avo.

Vanoti vari kurima chibage, muboora, miriwo yakasiyana siyana, matomati nezvimwe zvirimwa.

"Veruzhinji vari kunyanya kufarira muboora saka tichange tinawo wakawanda neChishanu neMugovera kune avo vangada kutenga kuti vazonobikira mhuri dzavo," vadaro Muzvare Guramatunhu.

Vaenderera mberi vachitenda vagarisani vavo mudunhu reMaryland zvikuru varimi vari pedyo nepurazi ravo vachiti vakawana rubatsiro rwakawanda kubva kuvavakidzani vavo.

Chirandu Farms
Chirandu Farms

"Takabatsirwa nezvinhu zvakadayi generata remagetsi, mvura yekudiridzira zvirimwa zvedu nezvimwewo zvakawanda izvo zvakandifungisa muchabvu, baba vangu, avo vaigara vachitipa dzidziso yekudyidzana zvakanaka nevavakidzani vedu zvikuru vanobva munyika dzatave kugara," Muzvare Guramatunhu vanodaro.

Muzvare Guramatunhu vanoti vari kufadzwa nekutenga kuri kuitwa zvirimwa zvavo nezvizvarwa zveZimbabwe nezvinobva kune dzimwe nyika muAfrica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG