Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 12, 2021


Vanhu makumi mana nemumwe chete vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Mhuri yemutori wenhau weStudio 7, Kudzanai Musengi, iri kuchema zvichetevera kufa kwemudzimai wake, Amai Vimbai Nhutsve Musengi, pamwe nevabereki vake avo vakatorwa nedenda neCovid 19 mukati memazuva maviri.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaKindness Paradza, votaura nezvekugara kwavo muchipatara kwemwedzi vachitadza kufema zvakanaka mushure mekubatwa nechirwere cheCovid-19

Makereke otambira kuvhurwa kwemakererke kune avo vakabaiwa nhomba yeCovid-19 achiti acharamba achikurudzira vedzisvondo kubaiwa nhomba

Hurumende inoti yava kubaya nhomba yeCovid-19 vanhu vanenge vakaungana parufu mudunhu reMashonaland West senzira yekupinda kwayo muvanhu vari munzvimbo dzakasiyana siyana ichivabaya nhomba idzi

MDC Alliance inoti iri kushushikana zvikuru nekudzingwa kwakaitwa makanzura ayo emuChipinge Town Council nebato reMDC-T.

Nyanzvi dzematongerwo enyika dzozeya kuitwa kana kusaitwa kwesarudzo dzema by-election, idzo dzakamiswa senzira yekudzivirira Covid-19, asi dzimwe nyika dzakaita seZambia dzichienderera mberi nesarudzo munguva ino yeCovid-19.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zvipingaidzo zvinosangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG