Zimbabwe yatambira nhasi mamiriyoni mazana mapfumbwamwe nemakumi matanhatu nerimwe emadhora ekuAmerica (US$961m) kubva kuInternational Monetary Fund pasi pechirongwa chesangano iri chekugadzirisa hupfumi hwenyika dzepasi hwavhiringwa nedenda reCovid-19.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi munyika
Vanhu makumi mana nevana vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu mazana matatu nemakumi mana nevapfumbamwe vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Botswana inotara mutemo wekuti munhu anenge afa, avigwe mukati memazuva mashanu izvo zvichaona zvizvarwa zveZimbabwe zvinofira munyika iyi zvichivigirwa muBotswana sezvo magwaro ekufa kwemunhu achitora nguva yakareba kuti abude.
Mutungamiri mutsva weZambia, VaHakainde Hichilema, vanogadzwa zviri pamutemo kuti vachitanga kuita basa ravakasarudzirwa.
Mutambi wenhabvu akaita mukurumbira munyika uye akatora mukombe weSoccer Star of the Year kakawandisa kudarika vatambi vese, George Shaya, ashaya
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika panguva iyo pasi rose riri kuchema nedambudziko rechirwere cheCovid-19.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum