Accessibility links

Breaking News

Vaive Varwiri veHondo yeRusununguko Vapfumbamwe Vange Vari Muhusungwa Voregererwa


Gweta riri kumirira vaimbove varwiri vehondo yerusununguko vapfumbamwe vange vari muhusungwa, VaPaidamoyo Saurombe, vanoti vsungwa ava vazoregedzwa vahienda kudzimba dzavo nhasi mambakwedza kunyangwe hazvo vange vambonzi vachamiswa pamberi pedare.

War Vet In Chains
War Vet In Chains

VaSaurombe vanoti zvinhu zvinokatyamadza kuti vaive varwiri verusununguko vanobatwa nekuseri kweruoko zvakadayi panguva ino yeCovid-19.

VaSaurombe vaudza Studio7 kuti zvakanga zvichiitwa nevanhu ava zvakange zviri pamutemo sezvo vakange vachida kunyatsonzwa zvizere pamusoro pemari dzavanopihwa idzo vanoti dzishoma.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG