WASHINGTON DC —
Gweta riri kumirira vaimbove varwiri vehondo yerusununguko vapfumbamwe vange vari muhusungwa, VaPaidamoyo Saurombe, vanoti vsungwa ava vazoregedzwa vahienda kudzimba dzavo nhasi mambakwedza kunyangwe hazvo vange vambonzi vachamiswa pamberi pedare.
VaSaurombe vanoti zvinhu zvinokatyamadza kuti vaive varwiri verusununguko vanobatwa nekuseri kweruoko zvakadayi panguva ino yeCovid-19.
VaSaurombe vaudza Studio7 kuti zvakanga zvichiitwa nevanhu ava zvakange zviri pamutemo sezvo vakange vachida kunyatsonzwa zvizere pamusoro pemari dzavanopihwa idzo vanoti dzishoma.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.
Facebook Forum