Accessibility links

Breaking News

Voruzhinji Vokurudzirwa Kuti Vabayiwe Nhomba yeCovid-19


Dr Brighton Chireka
Dr Brighton Chireka

Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vabaiwe nhomba yeCovid-19 uye kuti vasateerere zvinobuda pamadandemutande zvisingabvi kunyanzvi dzehutano pamusoro penhomba dze Covid-19 sezvo vanhu vakawanda vari kupedzisira vapinda muna taisireva.

Imwe nyanzvi yezvehutano, Dr Brighton Chireka, vanoti veruzhinji vanofanirwa kusaungana kundufu panguva ino yedenda reCovid-19 uye vateerere zvinotaurwa nebazi rezvehutano pamusoro pehuwandu hwevanhu vanofanirwa kunge vari parufu.

Dr Chireka vanoti panguva ino yeCovid-19, chakakosha kubaiwa nhomba yechirwere ichi nekutevedzera kurudziro yeWorld Health Organisation yekuti vanhu vapfeke mamasiki, vageze mawoko uye vagare vakataramukana kuitira kuti chirwere ichi chisapararire.

"Tinokurudzira zveruzhinji kuti vaende kunobayiwa nhomba yeCovid-19 kuitira kuti vawane kuzvidzivirira ivo nemhuri dzavo sezvo denda iri riri kuuraya vazhinji uye dzimwe dzimba dzave kuto vharwa sezvo vanhu vazhinji vemhuri imwe vari kushaika panguva imwe,"vadaro Dr Chireka.

"Tiri kuyambira vanenge vafirwa kuti vasaende nehuwandu kurufu sezvo kuri iko kuri kupararira zvakanyanya denda iri reCovid-19," vadaro Dr Chireka.

Denda reCovid-19 rauraya vanhu zviuru zvina nemakumi mana nevanomwe, 4,047, uye kubata vanhu zviuru zana negumi nezvisere nemazana manomwe nemakumi mashanu nevana, 118,754

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG