Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 26, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu gumi nevasere vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vamwe vanhu mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nemumwe chete vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti Zimbabwe, iyo inoti yapinza munyika nhomba mamiriyoni gumi nematatu, inofanirwa kutenga dzimwe nhomba dzakawanda kuitira kuti hurumende ibudirire kubaya nhomba vanhu vose vayakatara kuti ichibaya.

Vadzidzisi nevabereki vakawanda vanoti hurumende yavapa nguva pfupi yekugadzirira kuvhurwa kwezvikoro asi hurumende ichiti hapana chayatadza sezvo zvikoro zvaifanirwa kuvhurwa musi wa28 Chikumi uyo wakadarika kare.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakadzingwa kuBritain zvasvika munyika nhasi.

Vanopikisa vanoti pane chirwirangwe chiri kuitwa nehurumende, Zimbabwe Electoral Commission nematare kuitira kuti munyika musaitwe sarudzo dzekutsiva vamiriri vakadzingwa muparamende nemakanzuru vachiti zviri kuitwa izvi zvinotyora bumbiro reitemo yenyika. Asi hurumende inoti kuita sarudzo munguva yeCovid-19 kuzvisikira moto muziso.

Guta reMutare ropererwa nenzvimbo yekuviga vanhu vanenge vafa muguta iri.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG