Vanhu makumi gumi maviri nevasere vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu mazana mashanu negumi nevana vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Mamwe mapato anopikisa anosanganisira MDC Alliance anoti haasi kufara nemashoko emutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, ekuti vakarwa muhondo yerusununguko havasi kuzobvumidza VaNelson Chamisa kutonga nyika kana vakakunda musarudzo dza2023.
Vatungamiri venyika dzemuSADC vapeta nhasi musangano wavo wepagore muMalawi vachisarudza mutungamiri wenyika iyi VaLazarus Chakwera kuti vave sachigaro
Komisheni inoona nezverunyararo nekuregererana inosangana nevakafanobata chigaro chameya weguta reHarare pamwe nemunyori weguta iri ichizvizivisa kuitira kuti komisheni iyi ikwanise kutanga zvirongwa zvinosimudzira runyararo muguta reHarare .
Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tiri kutarisa zviri kuitwa nevari kuBritain avo vari kushandisa nhabvu mukubatanidza vana veZimbabwe vari munyika iyi.
Vatsigiri vemutambo wenhabvu muZimbabwe vari kufara negungano raiswa Zimbabwe kumafainari e2021 Africa Cup of Nations ayo achaitirwa muCameroon.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum