Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 25, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu makumi maviri nevanomwe vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vamwe vanhu mazana matatu negumi nevapfumbamwe vakabatwa nechirwere ichi nezuro.

Hurumende inowedzera nemamwe masvondo maviri kuvharwa kwenyika pasi pehurongwa hwe Level Four Lockdown.

Hurumende yokurudzirwa kuti iite sarudzo munyika idzo dzisiri kuitwa munyika nekuda kwe denda reCovid-19. Vanorwira kodzero dzevanhu vanoti Zimbabwe inofanirwa kuita sarudzo idzi sezvo dzimwe nyika pasi rose dziri kuita sarudzo munguva ino yeCovid-19.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti ivo nemagweta avo vatanga kuzeya nyaya dzemapazi nemakambani ehurumende apindura panyaya yavakakwidza kumatare yekuti vashandi vose vasamanikidzwe kubayiwa nhomba vachiti kuvamanikidza kunotyora bumbiro remitemo.

Guta reMutare ropererwa nenzvimbo yekuviga vanhu vanenge vafa muguta iri.

Studio7 inoita hurukuro nechizvarwa cheZimbabwe chakatenga purazi mudunhu reMaryland.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa pamwe nezvinobata zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG