Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Muvhuro, Nyamavhuvhu 9, 2021


Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu makumi manomwe nevana vakafa nechirwe cheCovid-19 huwandu hunosanganisira vamwe gumi nevatatu vakafa muHarare nemusi weMugovera vakanonoka kuziviswa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vatungamira nyika mukucherechedza nekuremekedza magamba akafira nyika kumarinda eHeroes Acre vachivimbisa kuti hurumende yavo ichashanda nedzimwe nyika vachitiwo vekunze vanofanira kungotambira Zimbabwe sezvairi.

Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa vanoti vanoremekedza vakarwa hondo yerusungunuko asi vachitiwo rusununguko chairwo rwunouya kana kodzero dzevanhu dzichiremekedzwa munyika muine kuyanana.

Vamwe vakarwa hondo yerusungunuko vanoti hurumende iri kutadza kuzadzikisa zvayakavavimbisa uye vazhinji vavo vave kufa vasina chinobatika chavawana.

Sangano reMedia Institute of Southern Africa, MISA, rinotumira chikwata kuZambia chiri kutungamirwa nasachigaro weMISA-Zimbabwe, VaGolden Maunganidze, icho chichaongorora sarudzo dzichaitwa munyika iyi musi wa 12 Nyamavhuvhu, unove musi weChina svondo

Mitambo yeTokyo Olympics 2020 yakapetwa nezuro dzimwe nyika dzemuAfrica dzichidadisa.

Muchirongwa cheLive Talk na8pm nhasi tiri kutarisa dambudziko rechirwere cheCovid-19, zuva remagamba uye makwikwi achangopetwa eTokyo 2020 Olympics.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG