Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Change Chichishanda KuAfghanistan Chorondedzera Kubuda Kwachakaita


Chimwe chizvarwa chemuZimbabwe change chichishanda muAfghanistan kwemakore matatu VaNyasha Manjese chinoti chiri kufara kuti chakakurumidza kubuda munyika iyi zvinhu zvisati zvanyanya kuita manyama amire nerongo.

VaManjese vanoti vaishanda nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika makumi masere uye vanovimba kuti zvose zvakakwanisa kubuda munyika iyi.

Afghanistan yagara iine hondo asi zvinhu zvabva zvaipisisa kubva America nedzimwe nyika dziri mugungano reNATO zvavakazivisa kuti vave kuburitsa mauto avo mushure memakore makumi maviri.

Vaive mutungamiri wenyika yeAfghanistan VaAsraf Gani vakatoenda muhupoteri zvasiya chikwata change chichirwisa hurumende yavo cheTaliban chave panyanga asi paine vamwe vari kuchirwisa.

"Parizvino tiri kungoonawo zvinetswa zvatarisana neAfghanistan patelevhizhoni sezvo isu takaita rombo rakanaka rekubudiswa munyika iyi zvinhu zvisati zvashata,"VaManjese vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG