Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 27, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Vadzidzisi vakawanda vanoti havasi kuenda kubasa panovhurwa zvikoro nemusi weMuvhuro sezvo nyaya dzemihoro yavo dzisati dzagadziriswa uye vasina zvikwanisiro zvekushandisa kana vari pabasa, ukuwo vabereki vachiti havana mari dzekubhadharira dzidzo yevana vavo.

Sangano reConfederation of Zimbabwe Retailers Association rinonyorera tsamba mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, richivakumbira kuti vawedzere nguva yekuti zvitoro zvivhurwe kuitira kuti makambani awanewo pundutso inobatika.

Vanhu gumi nevasere vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vamwe vanhu mazana maviri nemakumi manomwe nevashanu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Kanzuru yeguta reHarare yokurudzira vanhu vakabayiwa nhomba yeCovaxin yekutanga kuti vatange zvakare kubayiwa dzimwe nhomba dziri kuwanikwa munyika sezvo Covaxin isiri kuwanikwa.

Bato reMDC Alliance rinoti richaenderera mberi nekusarudza mutevedzeri wameya weChitungwiza richiti kudomwa kwemutevedzeri wameya kwakaitwa negurukota rematunhu, VaJuly Moyo, hakusi pamutemo.

Zvinhu zvoita manyama amire nerongo mukanzuru yeHarare zvichitevera makakatanwa ari pakati pameya veguta iri vakambomiswa basa, VaJacob Mafume, avo vakadzoka pabasa nevange vakafanobata chigaro chameya, VaStewart Mutizwa, avo vari kuti ndivo vachiri panyanga.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa gakava riripo pakuvhurwa kwezvikoro varairidzi nevabereki vachiti havazi kuwirirana nedanho rakatorwa nehurumende rekuti zvikoro zvivhurwe pasina gadziriro yakakwana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG