Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Nyamavhuvhu 10, 2021


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, varumbidza mauto nhasi vachiti ari kuita basa guru mukuunza budiriro munyika, runyararo, kurwisa chirwere cheCovid-19 pamwe nekuvaka zvikoro, makiriniki nemabhiriji munyika yose.

Asi vakambove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Doctor Henry Madzorera, vanoti mauto anofanirwa kugadzirisa hunhu hwawo kuitira kuti asashungurudza veruzhinji, zvikuru vanopikisa hurumende.

Vanhu gumi mana nevapfumbamwe vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu mazana mashanu nemakumi maviri nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vamiriri vemasangano evarairidzi, avo vanogara vachikurudzira hurumende kuti iendese mberi kuvhurwa kwezvikoro vachiti hurumende haina kugadzirira zvakakwana, votaura pamusoro pekuvhurwa kwezvikoro kwakaendeswa mberi zvakare nedzimwe svondo mbiri pasi pemutemo we Covid-19 Level 4 Lockdown senzira yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19 muzvikoro.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zvirongwa zvehurumende zviri kupa kuti varombo vanyanye kushupika, izvi zvinotevera mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kumarinda eHeroes Acre nezuro vachiti chinangwa chavo ndechekuti Zimbabwe inge yave nyika ine vashandi vakati wandei vanotambirawo mari dziri nani mugore ra2030.

Sangano reEuropean Union rinopa World Food Program mamiriyoni matatu emaEuros semari ichashandiswa mukutengera chikafu vanhu vemuZimbabwe vagere mumaguta avo vari kuyaura nenzara munguva ino nyeCovid-19

Mutambi wenhabvu akaita mukurumbira munyika, Enerst Mapepa Sibanda, ashaya ava nemakore makumi matanhatu nematatu.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa munyika nevechidiki panguva iyo pasi rose rakatarisana nedenda reCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG